Exodus 8:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ŋaŋga dzakati kunaFarao: Munwe waMŋari; asi mŋoyo waFarao wakawomeswa, akasaʋaterera, seɀakaŋga ɀarebga naJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
N'anga dzakati kuna Faro, “Uyu munwe waMwari.” Asi mwoyo waFaro wakava mukukutu uye haana kuda kuteerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
N'anga idzi dzakanyevera Farao dzichiti, “Changamire, Mwari bedzi ndiye aita izvi.” Sokureva kwakanga kwaitwa naTenzi, Farao akaomesa mwoyo akaramba kuteerera Mosesi naAroni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona 2009?
Zvino n'anga dzakati kuna Farao, "Mumwe waMwari"; asi moyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino n'anga dzakati kuna Farao, “Munwe waMwari”; asi mwoyo waFarao wakaomeswa, akasavateerera, sezvakanga zvarehwa naJehovha.