Exodus 8:21 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti kana ukaramba kutendera ʋanhu ʋaŋgu, tarira ndicatuma ɓute renhunzi pamsoro pako, napamsoro paʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, nomudzimba dzako; dzimba dzaʋaEgipita dzicazara namapute enhunzi, kunyaŋge nevu padzimire.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kana usingatenderi vanhu vangu kuti vaende, ndichatumira bute renhunzi pamusoro pako napamusoro pamachinda ako, napamusoro pavanhu vako uye nomudzimba dzenyu. Dzimba dzavaIjipita dzichazara nenhunzi, uye kunyange pavhu pavamire.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Kana ukavarambidza kuenda, ndichaunza bute renhunzi, dzichamomera pauri iwe namachinda ako, navanhu vako, dzichizaridzana mudzimba dzavaIjipiti, dzichiitawo fararira napasi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
Shona 2009?
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzavaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyange nevhu padzimire.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti kana ukaramba kutendera vanhu vangu, tarira ndichatuma bute renhunzi pamusoro pako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomudzimba dzako; dzimba dzaVaIjipiti dzichazara namapute enhunzi, kunyangwe nevhu padzimire.