Exodus 8:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati: Haɀina‐kunaka kuita saiɀoɀo, nokuti ticaɓayira Jehova, Mŋari weɗu, ɀiɓayiro ɀinonyaŋgadza ʋaEgipita; tarirai, kana tikaɓayira ɀinonyaŋgadza ʋaEgipita haʋaŋgatitaki namabge here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi Mozisi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo. Zvipiriso zvatinoda kubayira kuna Jehovha Mwari wedu zvingazonyangadza vaIjipita. Uye kana tikapa zvibayiro zvinonyangadza pamberi pavo, havangazotitaki namabwe here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi Mosesi akati, “Hatingadaro nokuti zvibayiro zvatichapira Tenzi, Mwari wedu, hazvidiwi navaIjipiti. Zvino tikapira Tenzi zvibayiro vaIjipiti vachiona, handiti vangatishatirirwe vakatitema namabwe tikafa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?
Shona 2009?
Mozisi akati, "Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibayiro zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati, “Hazvina kunaka kuita saizvozvo, nokuti tichabayira Jehovha, Mwari wedu, zvibairo zvinonyangadza vaIjipiti; tarirai, kana tikabayira zvinonyangadza vaIjipiti havangatitaki namabwe here?