Exodus 8:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati: Tarirai, ndinoɓuɗa kwamuri, ndicandonyeŋgetera kunaJehova kuti mapute enhunzi abve kunaFarao, nokuʋaranda ʋake, nokuʋanhu ʋake maŋgwana; asi Farao ŋgaarege kuzonyeŋgera ɀe, aciramba kutendera ʋanhu kuenda kundoɓayira Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akapindura akati, “Ndichangobva pauri, ndichanonyengetera kuna Jehovha, uye mangwana nhunzi dzichabva pana Faro namachinda ake uye napavanhu vake. Ivai nechokwadi chete kuti Faro haazonyengerizve achirambidza vanhu kuenda kundopa zvibayiro kuna Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati, “Zvakanaka, ini ndichabva pano ndichindokumbira Tenzi kuti mangwana mapute enhunzi abve pana Farao namakurukota ake navanhu vake. Asi dai mambo mukarega kuita zvakare zvokutibata zvenyu kumeso imi muchizorambidza zvenyu vaIsiraeri kundopira Tenzi zvibayiro zvavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.”
Shona 2009?
Mozisi akati, "Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati, “Tarirai, ndinobuda kwamuri, ndichandonyengetera kuna Jehovha kuti mapute enhunzi abve kuna Farao, nokuvaranda vake, nokuvanhu vake mangwana; asi Farao ngaarege kuzonyengerazve, achiramba kutendera vanhu kuenda kundobayira Jehovha.”