Exodus 8:3 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
rwizi rucazara kwaɀo namataca; acakwira, acipinda mumba mako, nomuimba yako yokuʋata, napanhoʋo dzako, nomudzimba dzaʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, nomuɀoto ɀako, nomumidziyo yako momunokanyira ɀokudya;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Nairi ruchazara namatatya. Achakwira agopinda mumuzinda wako nomuimba yako yokuvata uye napamubhedha wako, nomudzimba dzamachinda ako uye napavanhu vako uye muzvoto zvako nepokukanyira chingwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nairi urwu ruchazara kuti shutu namatafi. Achabudamo achindopinda mumba mako nomumba mako mokuvata, napamubhedha wako nomudzimba dzamachinda ako nedzavanhu vako nemaunokanyira zvingwa nemaunozvibikira.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
Shona 2009?
rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhovo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;
Shona SUB 2002 Bible
rwizi ruchazara kwazvo namatatya; achakwira, achipinda mumba mako, nomuimba yako yokuvata, napanhoo dzako, nomudzimba dzavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, nomuzvoto zvako, nomumidziyo yako mamunokanyira zvokudya;