Exodus 8:5 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jehova akati kunaMosesi: Iti kunaAroni: Tambanudzira ruʋoko rwako rwakaɓata tȿimbo yako pamsoro penzizi, napamsoro pehoʋa, napamsoro pamadziʋa, uraire mataca kuti akwire panyika yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Taurira Aroni uti, ‘Tambanudza ruoko rwako pamwe chete netsvimbo yako pamusoro pehova napamusoro pemigero napamadziva, uye uite kuti matatya auye pamusoro penyika yeIjipiti.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira tsvimbo yako pamusoro penzizi nemigero namadziva kuti matafi auye panyika yeIjipiti.’ ”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ”
Shona 2009?
Jehovha akati kuna Mozisi, "Iti kuna Aroni, `Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika "
Shona SUB 2002 Bible
Jehovha akati kuna Mosesi, “Iti kuna Aroni, ‘Tambanudzira ruoko rwako rwakabata tsvimbo yako pamusoro penzizi, napamusoro pehova, napamusoro pamadziva, uraire matatya kuti akwire panyika yeIjipiti.’ ”