Exodus 9:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova wakati kunaMosesi: Fumira maŋgwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari: Ɀanzi naJehova, Mŋari waʋaHeberu: Tendera ʋanhu ʋaŋgu kuenda ʋandinamate.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Muka mangwanani-ngwanani undosangana naFaro ugoti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha Mwari wavaHebheru: Rega vanhu vangu vaende, kuti vanondinamata,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi kuti, “Mangwana, fumira kuna Farao undoti, ‘Zvanzi naTenzi, Mwari wevaHebheru rega vanhu vangu vaende kundondinamata
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Fumira mangwanani, undomira pamberi paFarao, uti kwaari, `Zvanzi naJehovha, Mwari wavaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.'
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Fumira mangwanani, unomira pamberi paFarao, uti kwaari, ‘Zvanzi naJehovha, Mwari waVaHebheru: Tendera vanhu vangu kuenda vandinamate.’