Exodus 9:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti neŋguʋa ino ndicatuma maɗambudziko aŋgu ose pamsoro pomŋoyo wako, napamsoro paʋaranda ʋako, napamsoro paʋanhu ʋako, uziʋe kuti hapana‐wakafanana neni panyika dzose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
kana zvikasadaro nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pako napamusoro pavaranda vako uye pamusoro pavanhu vako, kuti ugoziva kuti hakuna mumwe akafanana neni munyika yose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
nokuti rwendo runo kana ukasadaro ndichakuonesa nhamo dzinokurwadza mwoyo iwe pamwechete namachinda ako navanhu vako. Ndipo pauchazoziva kuti pasi pano pose, hapana mumwe akaita seni.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti nenguva ino ndichatuma madambudziko angu ose pamusoro pomwoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.
Shona 2009?
Nokuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti nenguva ino ndichatuma matambudziko angu ose pamusoro pomwoyo wako, napamusoro pavaranda vako, napamusoro pavanhu vako, uzive kuti hapana akafanana neni panyika dzose.