Exodus 9:22 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tambanudzira ruʋoko rwako kuɗeŋga, cimvuramabge ciʋe’po panyika yose yeEgipita, pamsoro paʋanhu, napamsoro peɀipfuwo, napamsoro pemiriʋo yose yeminda panyika yose yeEgipita.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jehovha akati kuna Mozisi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga kuti chimvuramabwe chiwire pamusoro peIjipiti yose, pamusoro pavanhu napamusoro pezvipfuwo napamusoro pezvinhu zvose zvinomera muminda yeIjipiti.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Tenzi akataurira Mosesi achiti, “Simudza ruoko rwako unongedze kudenga chimvuramahwe chinaye munyika yose yeIjipiti, chichiwira pavanhu napazvipfuwo napasora rose romunyika yeIjipiti.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.”
Shona 2009?
Zvino Jehovha akati kuna Mozisi, "Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti."
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudzira ruoko rwako kudenga, chimvuramabwe chivepo panyika yose yeIjipiti, pamusoro pavanhu, napamusoro pezvipfuwo, napamusoro pemiriwo yose yeminda panyika yose yeIjipiti.”