Exodus 9:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Farao akatuma ʋanhu kundoɗana Mosesi naAroni, akati kwaʋari: Ŋguʋa ino ndatadza; Jehova wakarurama, asi ini naʋaranda ʋaŋgu takaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Faro akadana Mozisi naAroni uye akati, “Nguva ino ndatadza. Jehovha ndiye akarurama asi ini navanhu vangu hatina kururama.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ipapo Farao akatuma vanhu kundodaidza Mosesi naAroni achiti, “Rwendo runo, ndakatadza zvikuru. Tenzi ndiye mururami, ini navanhu vangu ndisu vatadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mosesi naAroni, akati kwavari, “Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.
Shona 2009?
Zvino Farao akatuma vanhu kundodana Mozisi naAroni, akati kwavari, "Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Farao akatuma vanhu kunodana Mosesi naAroni, akati kwavari, “Nguva ino ndatadza; Jehovha akarurama, asi ini navaranda vangu takaipa.