Exodus 9:29 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mosesi akati kwaari: Kana ndaŋgoɓuɗa paguta, ndicatambanudzira maʋoko aŋgu kunaJehova; ipapo kutinhira kucanyarara, necimvuramabge hacicazoʋi’po; mucaziʋa kuti nyika yose ndeyaJehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mozisi akapindura akati, “Pandichabuda muguta, ndichatambanudza maoko angu ndichinyengetera kuna Jehovha. Mutinhiro uchapera uye hakuchazovizve nechimvuramabwe, kuti ugoziva kuti nyika ndeyaJehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda muguta muno, ndichasimudza maoko angu kuna Tenzi. Ipapo kutinhira kwemheni kuchanyarara, chimvuramahwe chichibva chapera. Ndipo pamunozoziva kuti pasi pano pose ndepaTenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.
Shona 2009?
Mozisi akati kwaari, "Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Mosesi akati kwaari, “Kana ndangobuda paguta, ndichatambanudzira maoko angu kuna Jehovha; ipapo kutinhira kuchanyarara, nechimvuramabwe hachizovipo; muchaziva kuti nyika yose ndeyaJehovha.