Exodus 9:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Farao akatuma ʋanhu, ʋakawana kuti paɀipfuwo ɀaʋaIsraeri hapana‐ɀakafa, kunyaŋge necimŋe cete. Asi mŋoyo waFarao wakaʋa mukukutu, akasatendera ʋanhu kuenda.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Faro akatuma vanhu kundoferefeta uye akawana kuti pakanga pasina kunyange chipfuwo chimwe chete chavaIsraeri chakanga chafa. Asi mwoyo wake wakanga uri mukukutu uye haana kutendera vanhu kuenda.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Farao akatuma vanhu kundoona mombe dzavaIsiraeri, wanei pasina kunyange neimwechete yadzo yakafa. Asi Farao akaramba akaomesa mwoyo, asingadi kuti vaIsiraeri vaende.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi mwoyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda.
Shona 2009?
Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvavaIsiraeri hapana zvakafa, kunyange chimwe chete. Asi moyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda.
Shona SUB 2002 Bible
Farao akatuma vanhu, vakawana kuti pazvipfuwo zvaVaIsiraeri hapana zvakafa, kunyangwe nechimwechete. Asi mwoyo waFarao wakava mukukutu, akasatendera vanhu kuenda.