Ezekiel 1:10 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ɀiri ɀiso ɀaɀo pakuʋonekwa kwaɀo, ɀaiʋa neciso comunhu; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso ceshumba kurutiʋi rworudyi; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cenzombe kurutiʋi rworuɓoshwe; ɀose ɀiri ɀinna ɀaiʋa neciso cegondo ʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviso zvazvo zvairatidzika sezvizvi: chimwe nechimwe pauna hwazvo chaiva nechiso chomunhu, uye kurudyi, chimwe nechimwe chaiva nechiso cheshumba, uye kuruboshwe, chiso chenzombe; chimwe nechimwe chaiva nechiso chegondo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Uso hwazvo hwaitarisika sezvizvi: chimwe nechimwe pahuna hwazvo, chaiva nouso hwomunhu. Pahuna hwazvo ihwohu zvaiva nouso hweshumba nechokurudyi kwazvo, zviri zvina kudaro zvaiva nouso hwemombe kuruboshwe uye pahuna hwazvo kudaro zviine uso hwegondo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondowo.
Shona 2009?
Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondobwe.
Shona SUB 2002 Bible
Kana zviri zviso zvazvo pakuonekwa kwazvo, zvaiva nechiso chomunhu; zvose zviri zvina zvaiva nechiso cheshumba kurutivi rworudyi; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chenzombe kurutivi rworuboshwe; zvose zviri zvina zvaiva nechiso chegondowo.