Ezekiel 1:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ɀiri ɀipenyu pakuʋonekwa kwaɀo, ɀakaŋga ɀakafanana namazimbe omŋoto anopfuta, ɀakafanana namazhenje; mŋoto wairamba ucifamba pakati peɀipenyu; mŋoto waipenya, nomukati momŋoto maiɓuɗa mheni.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Kuonekwa kwezvisikwa zvipenyu izvi kwakanga kwakaita samazimbe omoto anopfuta, kana somwenje. Moto waienda mberi uchidzoka pakati pezvisikwa; wakanga uchipenya, uye mheni yaipenya mauri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvinhu izvozvo zvanga zvakaita samazimbe ari kubhebha nomoto, semazhenje omoto, kana kuti semwenje unovheya-vheya pakati pezvinhu zvipenyu zviya. Moto wacho wakanga uchipenya, mheni yaivaima mauri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.
Shona 2009?
Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.
Shona SUB 2002 Bible
Kana zviri zvipenyu pakuonekwa kwazvo, zvakanga zvakafanana namazimbe omoto anopfuta, zvakafanana namazhenje; moto wairamba uchifamba pakati pezvipenyu; moto waipenya, nomukati momoto maibuda mheni.