Ezekiel 1:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makumbo awo pakuʋonekwa kwawo nomuitirwe wawo ɀakaŋga ɀakafanana neberiri; ose ari manna akaŋga akafanana; pakuʋonekwa kwawo napamuitirwe wawo ɀakaŋga ɀakaita segumbo rimŋe mukati merimŋe gumbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uku ndiko kwaiva kuratidzika namagadzirirwo amavhiri acho: Akanga achivaima sebwe rekristaro, uye zvose zviri zvina zvakanga zvakafanana pakuonekwa kwazvo. Pakuonekwa kwawo napamagadzirirwo awo akanga akaita sevhiri rimwe riri mukati merimwe vhiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mamiriro akanga akaita mavhiri iwaya namagadzirirwo awo ndeaya: Kutarisika kwawo kwakanga kwakaita sokupenya kweibwe rinokosha rebheriri. Ari mana kudaro akanga akafanana. Magadzirirwo awo aiva akaita sevhiri mukati merimwe vhiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makumbo awo pakuonekwa kwawo nomuitirwo wawo zvakanga zvakafanana nebheriri; ose ari mana akanga akafanana; pakuonekwa kwawo napamuitirwo wawo zvakanga zvakaita segumbo rimwe riri mukati merimwe gumbo.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible