Ezekiel 1:18 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana ari makaŋgo awo, akaŋga akakwirira ʋuye akatyisa; makaŋgo awo iwo manna akaŋga azere nameso kwose‐kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Marimu acho akanga akakwirira uye aishamisa, uye marimu ose ari mana akanga azere nameso kwose kwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mavhiri mana iwaya aiva namarhimu nezvipokisi. Marhimu awo akanga akazara namaziso kutenderera.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye achityisa; makango awo mana akanga azere nameso kwose-kwose.
Shona 2009?
Kana ari marimu awo, akanga akakwirira uye achityisa; marimu awo mana akanga azere nameso kose-kose.
Shona SUB 2002 Bible
Kana ari makango awo, akanga akakwirira uye achityisa; makango awo mana akanga azere nameso kwose–kwose.