Ezekiel 1:21 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Kana iɀo ɀofamba, iwo ofamba; kana iɀo ɀomira, iwo omira, kana iɀo ɀokwidzwa ɀicibva pasi, makumbo okwidzwa pamŋe cete naɀo; nokuti mŋeya wecipenyu wakaŋga uri mumakumbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvisikwa pazvaifamba, iwo aifambawo; paimira zvisikwa, naiwo aimirawo; uye paingosimuka zvisikwa kubva pasi, mavhiri aisimukawo pamwe chete nazvo, nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu wakanga uri mumavhiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Hwaingova hwese, zvichiti kwazvaenda, iwo oendawo, zvikamira iwo omirawo, pazvaisumuka mudenga kubva pasi, iwo mavhiri aisumukawo nazvo nokuti mweya wezvisikwa zvipenyu izvozvo waiva mumavhiri acho.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
Shona 2009?
Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.
Shona SUB 2002 Bible
Kana izvo zvofamba, iwo ofamba; kana izvo zvomira zvichibva pasi, makumbo okwidzwa pamwechete nazvo; nokuti mweya wechipenyu wakanga uri mumakumbo.