Ezekiel 1:28 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Seɀakaita muraraʋuŋgu uri mugore nezuʋa remvura, ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita kubginya pakuʋonekwa kwabgo kumatiʋi ose. Ndiɀo ɀakaŋga ɀakaita kubginya kwaJehova. Ɀino ndakati ndiciɀiʋona, ndikawira pasi neciso caŋgu, ndikanzwa inzwi romumŋe wakaŋga acitaura.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Sezvakaita muraravungu uri mumakore pazuva rokunaya kwemvura, izvozvo, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwakanga kwakamukomberedza. Izvi ndizvo zvakanga zvakaita kuonekwa kwokubwinya kwaJehovha. Pandakazviona izvozvo, ndakawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Sezvakangoita muraraungu mumakore pamusi wemvura ndokuonekwa kwaita chiedza kutenderera. Ikoku ndokutarisika kwaiita kupenya kokuvapo kwaTenzi. Zvino ini pandakakuona ndakati pasi zvambarara ndikabva ndanzwa izwi romumwe aitaura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa izwi romumwe akanga achitaura.
Shona 2009?
Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa inzwi romumwe akanga achitaura.
Shona SUB 2002 Bible
Sezvakaita murarawungu uri mugore nezuva remvura, ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya pakuonekwa kwahwo kumativi ose. Ndizvo zvakanga zvakaita kubwinya kwaJehovha. Zvino ndakati ndichizviona, ndikawira pasi nechiso changu, ndikanzwa izwi romumwe akanga achitaura.