Ezekiel 10:11 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Pakufamba kwawo akafamba kumatiʋi awo manna; haana‐kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakaŋga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana‐kutsauka pakufamba kwawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Paaifamba aigona kuenda neimwe yenzira ina kwakanga kwakatarisa makerubhi; mavhiri haana kutsauka pakufamba kwaiita makerubhi. Makerubhi akaenda munzira ipi zvayo kwakanga kwakatarira musoro, asingatsauki pakufamba kwawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paainge ofamba, aifamba akananga chero kune rimwe divi ramativi mana awo achienda asingatendeuki. Asi aiti kwainge kwangonangwa nevhiri remberi mamwe ose aibva atevera achienda asingatendeuki.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakanga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana kutsauka pakufamba kwawo.
Shona 2009?
Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakanga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana kutsauka pakufamba kwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Pakufamba kwawo akafamba kumativi awo mana; haana kutsauka pakufamba kwawo, asi kwakanga kwakatarira musoro ndiko kwaakaenda; haana kutsauka pakufamba kwawo.