Ezekiel 10:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino kana makerubi ofamba, makumbo eŋgoro ofamba kurutiʋi rwawo; kana makerubi aciŋge osimudza mapapiro awo aciɗa kubururuka acibva panyika, namakumbo awo ʋo haana‐kubva kurutiʋi rwawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Makerubhi aiti ofamba, mavhiri aiva parutivi rwawo ofambawo; makerubhi aiti akatambanudza mapapiro awo kuti abhururuke kubva pasi, mavhiri akanga asingabvi parutivi rwawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvino makerubhu paaifamba, mavhiri aifamba ari pamativi awo. Painge makerubhu asumudza mapapiro awo kuti akwire mudenga achibva pasi, mavhiri haaimbobva parutivi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino kana makerubhi ofamba, makumbo engoro ofamba kurutivi rwawo; kana makerubhi achinge osimudza mapapiro awo achida kubhururuka achibva panyika, namakumbo awowo haana kubva kurutivi rwawo.
Shona 2009?
Zvino kana makerubhi ofamba, makumbo engoro ofamba kurutivi rwawo; kana makerubhi achinge osimudza mapapiro awo achida kubhururuka achibva panyika, namakumbo awovo haana kubva kurutivi rwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino kana makerubhi ofamba, makumbo engoro ofamba kurutivi rwawo; kana makerubhi achinge osimudza mapapiro awo achida kubhururuka achibva panyika, namakumbo awowo haana kubva kurutivi rwawo.