Ezekiel 10:19 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Makerubi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubururuka acibva panyika, ini ndiciaona aciɓuɗa, anamakumbo eŋgoro pamatiʋi awo; akamira pamukoʋa wesuʋo rokumabvazuʋa reimba yaJehova; kubginya kwaMŋari waIsraeri kwakaŋga kuri necokumsoro kwawo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichakatarisa izvi, makerubhi akatambanudza mapapiro awo ndokubhururuka kubva pasi, uye paaienda, mavhiri aiendawo nawo. Akandomira pamukova wesuo rokumabvazuva kweimba yaJehovha, uye kubwinya kwaMwari waIsraeri kwakanga kuri pamusoro pawo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Makerubhu ndokubva asumudza mapapiro awo akakwira mudenga kubva pasi ndichiona achienda kudaro aine mavhiri parutivi pawo akasvikomira pamusuo weSuo Guru rokumabvazuva remba yaTenzi kupenya kwokuvapo kwaMwari weIsiraeri kwaiva pamusoro pazvo.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubhururuka achibva panyika, ini ndichiaona achibuda, anamakumbo engoro pamativi awo; akamira pamukova wesuo rokumabvazuva reimba yaJehovha; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwawo.
Shona 2009?
Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubhururuka achibva panyika, ini ndichiaona achibuda, anamakumbo engoro pamativi awo; akamira pamukova wesuo rokumabvazuva reimba yaJehovha; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwawo.
Shona SUB 2002 Bible
Makerubhi ndokusimudza mapapiro awo, ndokubhururuka achibva panyika, ini ndichiaona achibuda, anamakumbo engoro pamativi awo; akamira pamukova wesuwo rokumabvazuva reimba yaJehovha; kubwinya kwaMwari waIsiraeri kwakanga kuri nechokumusoro kwawo.