Ezekiel 10:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino wakati araira murume wakaŋga akafuka muceka, aciti: Tora mŋoto pakati pa makumbo anomonereka, pakati pamakerubi, akapinda, akandomira parutiʋi rwerimŋe gumbo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Jehovha akati arayira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, “Tora moto pakati pamavhiri, kubva pamakerubhi,” murume akapinda mukati akamira parutivi rwevhiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaudza munhu uya akanga akapfeka rineni kuti, tora moto pakati pamavhiri arikutenderera pakati pamakerubhu, akaenda akamira munyasi memavhiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati araira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, “Tora moto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubhi,” akapinda, akandomira parutivi rwerimwe gumbo.
Shona 2009?
Zvino akati araira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, "Tora moto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubhi," akapinda, akandomira parutivi rwerimwe gumbo.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino akati araira murume akanga akafuka mucheka werineni, achiti, “Tora moto pakati pamakumbo anomonereka, pakati pamakerubhi,” akapinda, akandomira parutivi rwerimwe gumbo.