Ezekiel 11:1 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino Mŋeya wakandisimudza, ndokundiisa kusuʋo ramabvazuʋa reimba yaJehova, raitarira kumabvazuʋa; ndikaʋona pamukoʋa wesuʋo ʋarume ʋanamakumi maʋiri naʋashanu, ndikaʋona pakati paʋo Jaazania mŋanakomana waAzuri, naPeratia mŋanakomana waBenaia, macinda aʋanhu.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Mweya wakandisimudza ukaenda neni pasuo reimba yaJehovha rakatarira kumabvazuva. Pamukova wesuo ipapo, pakanga pana varume makumi maviri navashanu, uye ndakaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri naPeratia mwanakomana waBhenaya, vatungamiri vavanhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya wakandisimudza mudenga, wakandiunza kuSuo Guru rokumabvazuva kwemba yaTenzi rakatarisa kumabvazuva. Ipapo ndakaona pamusuo peSuo Guru pacho paine varume makumi maviri navashanu. Ndakaonawo pakati pavo paina Jaazaniya mwanakomana waAzuru naPeratiya mwanakomana waBhenaya, machinda evanhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varumwe vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
Shona 2009?
Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuo varume vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.
Shona SUB 2002 Bible
Zvino Mweya wakandisimudza, ndokundiisa kusuwo ramabvazuva reimba yaJehovha, raitarira kumabvazuva; ndikaona pamukova wesuwo varumwe vana makumi maviri navashanu, ndikaona pakati pavo Jaazania mwanakomana waAzuri, naPeratia mwanakomana waBhenaia, machinda avanhu.