Ezekiel 11:13 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀino ndakati ndiciprofita, Peratia mŋanakomana waBenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi neciso caŋgu, ndikacema nenzwi guru ndiciti: Haiwa, Ishe Jehova! Moɗa kupedza cose ʋakasara ʋaIsraeri here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvino ndakati ndichiprofita, Peratia mwanakomana waBhenaya akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso ndikachema zvikuru ndichiti, “Haiwa Ishe Jehovha! Ko, muchaparadza chose vakasara vaIsraeri here?”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaitika kuti pandaiporofita, Peratiya mwanakomana waBhenaya akafa. Ndakawira pasi nouso ndikaridza mhere ndochema ndichiti, “Aa! Nhai Tenzi mopedzisa here vaIsiraeri vakasara.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nezwi guru ndichiti, “Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vaIsiraeri here?”
Shona 2009?
Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nenzwi guru ndichiti, "Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara vose vaIsiraeri here?"
Shona SUB 2002 Bible
Zvino ndakati ndichiporofita, Peratia mwanakomana waBhenaia akafa. Ipapo ndakawira pasi nechiso changu, ndikachema nezwi guru ndichiti, “Aiwa, Ishe Jehovha! Moda kupedza chose vakasara VaIsiraeri here?”