Ezekiel 11:24 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ipapo Mŋeya wakandisimudza ndokundiisa Kardea kunaʋakatapxa, ndiciɀiʋoneswa noMŋeya waMŋari. Ɀino ciratidzo candakaŋga ndaʋona cakakwidzwa cicibva kwandiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mweya wakandisimudza ukaenda neni kuna vakatapwa vari muBhabhironi muchiratidzo chakapiwa noMweya waMwari. Ipapo chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa kubva pandiri,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mweya akandisimudza muchioneso akandiendesa kuvatapwa kuKaridhea naMweya waMwari. Ndipo pakabva papera chiratidzo chandakanga ndaoneswa.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
Shona 2009?
Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhea kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.
Shona SUB 2002 Bible
Ipapo Mweya wakandisimudza ndokundiisa Karadhia kuna vakatapwa, ndichizvioneswa noMweya waMwari. Zvino chiratidzo chandakanga ndaona chakakwidzwa chichibva kwandiri.