Ezekiel 11:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Ʋamakaʋuraya, ʋamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi mucaɓuɗiswa mukati maro.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha: Zvitunha zvamakandamo ndiyo nyama uye guta rino ndiyo hari, asi ini ndichakubudisai mariri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndokusaka zvanzi naTenzi Mwari, ‘Vamakauraya zvamakaradzika mariri ndonyama, guta irori ndiro bhodho racho asi imi muchabviswa mukati maro.’
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi muchabudiswa mukati maro.
Shona 2009?
"Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, `Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imwi muchabudiswa mukati maro.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, ‘Vamakauraya, vamakaradzika mukati maro, ndiyo nyama, guta rino igate, asi imi muchabudiswa mukati maro.