Ezekiel 12:16 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Asi ndicapukunyusa ʋashoma ʋaʋo pamunondo nenzara nehosha yakaipa; kuti ʋandoparidza pakati pamarudzi kwaʋanoȿika ɀinonyaŋgadza ɀaʋo ɀose; ɀino ʋacaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi ndichasiya vashoma vavo pamunondo, napanzara nedenda, kuitira kuti pakati pendudzi kwavachaenda zvimwe vangarangarira zvinyangadzo zvavo zvavakaita zvose. Ipapo vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ndichaita kuti katsama kavo kapunyuke kubakatwa nokushangwa yenzara nokudenda kuri kuitira kuti vareurure zvinhu zvavo zvose zvinosemesa mukati memarudzi kwavachaenda, vazivewo kuti ini ndini Tenzi.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa; kuti vandoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”
Shona 2009?
Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nehosha yakaipa;kuti vanoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha."
Shona SUB 2002 Bible
Asi ndichapukunyusa vashoma vavo pamunondo nenzara nechirwere chakaipa; kuti vandoparidza pakati pamarudzi kwavanosvika zvinonyangadza zvavo zvose; zvino vachaziva kuti ndini Jehovha.”