Ezekiel 12:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
uti kuʋanhu ʋenyika iyi: Ɀanzi naShe Jehova pamsoro paʋagere Jerusarema nenyika yaIsraeri: Ʋacadya ɀokudya ɀaʋo ʋacitya nokunwa mvura yaʋo ʋacikaŋganiswa, kuti nyika yaro iitwe ɗoŋgo, yatorerwa ɀose ɀayo, nemhaka yokuita nesimba yaʋose ʋanogara’mo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kuvanhu venyika, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavanogara muJerusarema uye munyika yaIsraeri kuti: Vachadya zvokudya zvavo nokufunganya nokunwa mvura yavo vaora mwoyo, nokuti nyika yavo ichatorerwa zviri mairi nokuda kwechisimba chaavo vose vanogaramo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Utaure nezvevanhu venyika iyoyi kuti zvanzi naTenzi Mwari zvakanangana navagari veJerusaremu vari munyika yeIsiraeri vachadya chingwa chavo mukutya, mvura yavo vachainwa vakadumbirwa nokuti nyika yavo icharozvwa zvose zvainazvo ichiparirwa noutsinye hwavanhu vose vagere mairi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
uti kuvanhu venyika iyi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba yavose vanogaramo.’
Shona 2009?
uti kuvanhu venyika iyi, `Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokumwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba, yavose vanogaramo.'
Shona SUB 2002 Bible
uti kuvanhu venyika iyi, ‘Zvanzi naIshe Jehovha pamusoro pavagere Jerusaremu nenyika yaIsiraeri, vachadya zvokudya zvavo vachitya nokunwa mvura yavo vachikanganiswa, kuti nyika yaro iitwe dongo, yatorerwa zvose zvayo, nemhaka yokuita nesimba yavose vanogaramo.’