Ezekiel 12:23 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ʋaʋudze, uti: Ɀanzi naShe Jehova: Ndicagumisa shumo iyi, haʋaŋgazoɓati nayo iri shumo pakati paIsraeri; asi uti kwaʋari: Mazuʋa aʋa pedyo nokuitika kweɀose ɀakaʋoneswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Ndichaita kuti chirevo ichi chigume, uye havachazochitauri muIsraeri.’ Uti kwavari, ‘Mazuva aswedera okuti zviratidzo zvose zvizadziswe.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Saka naizvozvo chivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari tsumo iyoyi iyi ndichaimisa vagorega kuzomboishandisazve setsumo mukati meIsiraeri. Asi uvaudze kuti mazuva acho otosvika zvinorehwa nezviratidzo izvozvo zvose zvotoitika.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo vaudze, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;’ asi uti kwavari, ‘Mazuva ava pedyo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.’
Shona 2009?
Naizvozvo vaudze, uti, `Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;' asi uti kwavari, `Mazuva ava pedo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.'
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo vaudze, uti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, ndichagumisa tsumo iyi, havangazobati nayo iri tsumo pakati paIsiraeri;’ asi uti kwavari, ‘Mazuva ava pedyo nokuitika kwezvose zvakaoneswa.’