Ezekiel 12:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo iwe mŋanakomana womunhu, ɀiroŋgedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, ʋaciɀiʋona; unofanira kutama ucibva panɀimbo yako ucienda kuneimŋe nɀimbo, ʋaciɀiʋona; ɀimŋe ʋaŋgazofuŋga, kunyaŋge iri imba ino ndi mukira simba.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Naizvozvo, mwanakomana womunhu, rongedza midziyo yako utame uye utame masikati, vakakutarira, ubude ubve panzvimbo yauri uende kune imwe nzvimbo. Zvimwe vachanzwisisa, kunyange vari imba inondimukira.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Nokuti ivo imba yakapanduka. Naizvozvo iwe mwanakomana womunhu zvigadzirire mutoro wenhapwa uende kuutapwa masikati machena vachiona. Unofanira kuenda senhapwa uchibva panzvimbo pako uchienda kune imwe nzvimbo ivo vachiona. Pamwe vanganzwisise kunyange vari imba yakapanduka.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
Shona 2009?
"Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyange iri imba inondimukira simba.
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo iwe Mwanakomana womunhu, zvirongedzere nhumbi dzokutama nadzo, utame masikati, vachizviona; unofanira kutama uchibva panzvimbo yako uchienda kune imwe nzvimbo, vachizviona; zvimwe vangazofunga, kunyangwe iri imba inondimukira simba.