Ezekiel 13:14 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Saiɀoɀo ndicakoromora ruȿiŋgo rwamakaʋuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kuȿikira nheyo dzarwo dzafukurwa; rucakoromoka, nemi mucapedzwa mukati marwo; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndichaparadza rusvingo rwawakapenda nependi chena uye ndicharukoromora ndigorusiya rwati ware ware pasi zvokuti nheyo dzarwo dzichasara dzava pachena. Paruchakoromoka, nemi muchaparadzwa murimo; uye muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaparadza rusvingo irworwo rwamakadzurura nesuko runyatsoti pasi ngondongondo zvokuti ugaro hwarwo huchanyatsoti pachena charavanda. Kana rwawa muchaparara mukati marwo. Ndipo pamuchaziva kuti ndini Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavhuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona 2009?
Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemwi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Saizvozvo ndichakoromora rusvingo rwamakavhuwa nesuko, nokuruwisira pasi, kusvikira nheyo dzarwo dzafukurwa; ruchakoromoka, nemi muchaparadzwa mukati marwo; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.