Ezekiel 13:20 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo ɀanzi naShe Jehova: Tarirai, ndinemhaka neɀifukidzo ɀenyu ɀamunovima naɀo mŋeya yaʋanhu seshiri, ndicaɀibvarura pamaʋoko enyu; ndicaregedza mŋeya, iyo mŋeya yamunovima seshiri.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Naizvozvo, zvanzi naIshe Jehovha: Ndinovenga mazango enyu amunoteya nawo vanhu kunge munoteya shiri, zvino ndichaadambura pamaoko enyu; ndichasunungura vanhu vamunoteya seshiri.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo zvanzi naTenzi Mwari, chinzwai, “Ndakanangana zvino namazango enyu amunosevenzesa kuva nesimba pamusoro poupenyu norufu rwavanhu seshiri. Ndabvarura mazango iwayo pamusoro poupenyu norufu mumaoko menyu ndiite kuti mweya yavanhu vamuine simba ravo vabhururuke vaende zvavo seshiri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
Shona 2009?
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, "Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.
Shona SUB 2002 Bible
Naizvozvo zvanzi naIshe Jehovha, “Tarirai, ndine mhaka nezvifukidzo zvenyu zvamunovhima nazvo mweya yavanhu seshiri, ndichazvibvarura pamaoko enyu; ndicharegedza mweya, iyo mweya yamunovhima seshiri.