Ezekiel 13:6 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ʋakaʋona ɀinonyeŋgera nokuʋuka kwenhema, iʋo ʋanoti: Jehova unoti! Asi Jehova haana‐kuʋatuma, ɀino ʋakati shoko raʋo ricasimbiswa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zviratidzo zvavo ndezvenhema uye kuvuka kwavo inhema. Ivo vanoti, “Jehovha anoti,” asi Jehovha asina kuvatuma; asi vanotarisira kuti mashoko avo azadzisike.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Vanotaura zvemanyepo vachishopera zvenhema vachiti zvanzi naTenzi iye Tenzi asina kuvatuma. Izvozvo vanenge vachitarisira kuti Mwari achazadzisa zvavanenge vataura.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, ‘Jehovha anoti!’ Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
Shona 2009?
Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, `Jehovha anoti!' Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.
Shona SUB 2002 Bible
Vakaona zvinonyengera nokuporofita kwenhema, ivo vanoti, Jehovha anoti! Asi Jehovha haana kuvatuma, zvino vakati shoko ravo richasimbiswa.