Ezekiel 14:11 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kuti imba yaIsraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzoɀiȿiɓisa nokuɗarika kwaʋo kwose, asi ʋaʋe ʋanhu ʋaŋgu, neni ndiʋe Mŋari waʋo — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vanhu veIsraeri havangazotsaukizve vachibva kwandiri kana kuzvisvibisazve nezvivi zvavo zvose. Vachava vanhu vangu, uye ini ndichava Mwari wavo, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.’ ”
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kuitira kuti imba yaIsiraeri irege kuzosiyanazve neni kana kuzozvin'oresazve nezvikanganiso zvavo zvose, asi kuti vavewo vanhu vangu iniwo ndichiva Mwari wavo. Ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kwose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
kuti imba yaIsiraeri irege kuzotsauka kwandiri, kana kuzozvisvibisa nokudarika kwavo kwose, asi vave vanhu vangu, neni ndive Mwari wavo,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.