Ezekiel 14:16 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kunyaŋge ʋarume aʋa ʋatatu ʋaiʋa’mo, noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova — haʋaŋgarwiri ʋanakomana kana ʋanasikana; iʋo ʋoga ʋaŋgarwirwa, asi nyika icaitwa ɗoŋgo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvirokwazvo, noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai varume vatatu ava vaivamo, havaizogona kuponesa vanakomana vavo kana vanasikana vavo. Ivo chete ndivo vaingopona, asi nyika yaizoparadzwa.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kunyange zvazvo ivava varume vatatu vaivamo, hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari havaikwanisa kununura vana vavo vakomana kana vasikana. Ivo bedzi ndivo vaitonunurwa asi nyika ichisara yangova nyikawo zvayo isina chinhu.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
Shona 2009?
kunyange varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.
Shona SUB 2002 Bible
kunyangwe varume ava vatatu vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha havangarwiri vanakomana kana vanasikana; ivo voga vangarwirwa, asi nyika ichaitwa dongo.