Ezekiel 14:20 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
kunyaŋge Noa naDanieri naJobo ʋaiʋa’mo, noʋupenyu bgaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova, — haʋaŋgarwiri mŋanakomana kana mŋanasikana; ʋaŋgarwira mŋeya yaʋo yoga nokururama kwaʋo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
zvirokwazvo noupenyu hwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, kunyange dai Noa, naDhanieri naJobho vaivamo, havaigona kuponesa mwanakomana kana mwanasikana. Vaingozviponesa ivo chete nokuda kwokururama kwavo.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
kunyangova dai Nowa naDhanieri naJobhu vaiva mairi hezvino ndakadai, ndizvo zviri kutarura Tenzi Mwari vangadai vasingagone kununura mwana wavo mukomana kana musikana. Asi kuti chavaikwanisa chete kungozvinunura upenyu hwavo ivo nokururama kwavo.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
kunyange Noa naDhanieri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo.”
Shona 2009?
kunyange nowa naDhanyeri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo."
Shona SUB 2002 Bible
kunyangwe Nowa naDhanieri naJobho vaivamo, noupenyu hwangu ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha, havangwarwiri mwanakomana kana mwanasikana; vangarwira mweya yavo yoga nokururama kwavo.”