Ezekiel 14:3 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mŋanakomana womunhu, ʋanhu aʋa ʋakapinza ɀifananidzo ɀaʋo mumŋoyo yaʋo, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀaʋo pamberi paʋo; ɀino ndiŋgatoŋgotenda kubvunzwa naʋo here?
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Mwanakomana womunhu, ava vanhu vakaisa zvifananidzo mumwoyo yavo vakaisa zvigumbuso zvakaipa pamberi pavo. Ndingavatendera kuti vatombondibvunza here?
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Iwe mwanakomana womunhu varume ava vakatorwa mwoyo nezvifananidzo zvavo zvokunamata vakazviisira chibingamupinyi chouipi hwavo mberi kwavo. Ndipo pandingazorega here vachidai kuuya kuneni kuzonzwa kuti ndinoti kudii?
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumwoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
Shona 2009?
"Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?
Shona SUB 2002 Bible
“Mwanakomana womunhu, vanhu ava vakapinza zvifananidzo zvavo mumwoyo yavo, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvavo pamberi pavo; zvino ndingatongotenda kubvunzwa navo here?