Ezekiel 14:4 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo taura naʋo, uti kwaʋari: Ɀanzi naShe Jehova: Munhu mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri unopinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita, ini Jehova ndicamupindura ɀakafanira iɀoɀo, ɀakafanira kuwanda kweɀifananidzo ɀake;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo taura navo ugovaudza kuti, ‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muIsraeri upi zvake akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita, ini Jehovha ndichamupindura pachangu zvinoenderana nokunamata kwake zvifananidzo zvake zvikuru.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo chivataurira uchivaudza kuti zvanzi naTenzi Mwari, ani zvake wemba yaIsiraeri anotorwa mwoyo nezvifananidzo zvokunamata zvake achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita, ini Tenzi ndini ndichamupa mhinduro iyeni zvichienderanawo nokuwanda kwezvifananidzo zvake zvokunamata.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Naizvozvo taura navo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
Shona 2009?
"Naizvozvo taura navo, uti kwavari, `Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;
Shona SUB 2002 Bible
“Naizvozvo taura navo, uti kwavari, ‘Zvanzi naIshe Jehovha, munhu mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri anopinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita, ini Jehovha ndichamupindura zvakafanira izvozvo, zvakafanira kuwanda kwezvifananidzo zvake;