Ezekiel 14:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Nokuti mumŋe nomumŋe weimba yaIsraeri, kana waʋatorwa ʋagere panyika yaIsraeri, unoparadzana neni, acipinza ɀifananidzo ɀake mumŋoyo make, nokuisa cigumbuso ceɀakaipa ɀake pamberi pake, akaʋuya kumuprofita kuti iye andibvunze nokuɗa kwake, ini Jehova ndicamupindura ndimene;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“ ‘Kana muIsraeri upi zvake, kana mutorwa agere muIsraeri, akazvitsaura kubva pandiri uye akaisa zvifananidzo mumwoyo make uye akaisa chigumbuso chakaipa pamberi pake ndokuenda kumuprofita kunobvunza nezvangu, ini Jehovha ndichamupindura pachangu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chiripo ndechokuti ani naani zvake wemba yaIsiraeri kana mumwe wevauyi vapfuuri zvavo muIsiraeri, anenge azvitsaura kwandiri achitorwa mwoyo nezvifananidzo zvake zvokunamata achizviisira chibingamupinyi chouipi hwake mberi kwake pedzezvo ouya kumuporofita kuzonzwa iye kuti ini ndinoti kudii, ini Tenzi ndini iyeni pachangu ndichamupa mhinduro.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
Shona 2009?
Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;
Shona SUB 2002 Bible
Nokuti mumwe nomumwe weimba yaIsiraeri, kana wavatorwa vagere panyika yaIsiraeri, anoparadzana neni, achipinza zvifananidzo zvake mumwoyo make, nokuisa chigumbuso chezvakaipa zvake pamberi pake, akauya kumuporofita kuti iye andibvunze nokuda kwake, ini Jehovha ndichamupindura ndimene;