Ezekiel 14:8 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
ndicarinzira munhu uyo ciso caŋgu ndimuitire ɀakaipa, ndicamuita cishamiso neciratidzo neshumo, ndicamubvisa pakati paʋanhu ʋaŋgu; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndicharinzira chiso changu pamusoro pomunhu uyo kuti ndimurwise uye ndichamuita muenzaniso netsumo. Ndichamubvisa pakati pavanhu vangu. Ipapo muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichanyatsoonana naye ndimuite muenzaniso uye setsumo ndimutsakatise pakati pevanhu vangu mugozoziva kuti ini ndini Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona 2009?
ndicharinzira munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
ndicharatidza munhu uyo chiso changu ndimuitire zvakaipa, ndichamuita chishamiso nechiratidzo netsumo, ndichamubvisa pakati pavanhu vangu; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha.