Ezekiel 15:7 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ndicaʋarinzira ciso caŋgu ndiʋaitire ɀakaipa; ʋakaɓuɗa pamŋoto, asi mŋoto ucaʋapedza; ɀino mucaziʋa kuti ndini Jehova, kana ndiciʋarinzira ciso caŋgu ndiʋaitire ɀakaipa.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndicharinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise. Kunyange zvavo vakabuda mumoto, moto uchavaparadza. Uye pandinorinzira chiso changu kwavari kuti ndivarwise muchaziva kuti ndini Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndichaonana navo. Kunyange vakapunyuka moto, moto uchatovapisa chete, kana ndakatarisana navo kudaro, ndipo pamuchandiziva kuti ndini Tenzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.
Shona 2009?
Ndichavarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivarinzira chiso changu ndivaitire zvakaipa.
Shona SUB 2002 Bible
Ndichavaratidza chiso changu ndivaitire zvakaipa; vakabuda pamoto, asi moto uchavapedza; zvino muchaziva kuti ndini Jehovha, kana ndichivaratidza chiso changu ndivaitire zvakaipa.