Ezekiel 16:13 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakaɀishoŋgedza nendarama nesirveri, ɀokufuka ɀako ɀakaŋga ɀiri ɀomuceka wakaiȿo‐naka nesiriki neɀakarukwa; wakadya ʋupfu bgakatsetseka noʋuci namafuta; wakaŋga wakanaka kwaɀo, ukapfuʋurira mberi kuȿikira kuʋushe.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka wakashongedzwa negoridhe nesirivha; nguo dzako dzaiva dzomucheka wakaisvonaka uye mucheka womutengo mukuru nomucheka wakarukwa. Zvokudya zvako zvaiva zvoupfu hwakatsetseka, nouchi namafuta omuorivhi. Wakabva wanaka chose ukasimukira kusvikira wava mambokadzi.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saizvozvo wakashongedzeka nendarama nesirivha. Zvipfeko zvako zvakanga zviri zverineni yakanakisisa nesirika namachira akarukirirwa. Waidya upfu hwekoroni hwakatsetseka nouchi namafuta. Wakabva wava nechimiro chakanakisisa kwazvo. Ukaita mambo chaiye wechikadzi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakazvishongedza nendarama nesirivha, zvokufuka zvako zvakanga zviri zvomucheka wakaisvonaka nesirika nezvakarukwa; wakadya hupfu hwakatsetseka nohuchi namafuta; hwakanga hwakanaka kwazvo, ukapfuurira mberi kusvikira kuhushe.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible