Ezekiel 16:14 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakaŋga yakakwana kwaɀo nokuɗa kwoʋumambo bgaŋgu bgandakaŋga ndaisa pamsoro pako — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mukurumbira wokunaka kwako wakapararira pakati pendudzi, nokuti kubwinya kwandakaisa pamusoro pako kwakaita kuti kunaka kwako kuve kwangu, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mbiri yako yakadhumha mukati memarudzi avanhu pamusana porunako rwako nokuti rwakanga rwuri runako chairwo ruzere pamusana peururami hwandakanga ndakupa. Ndizvo zvinotaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
Mbiri yako yokunaka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kohumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
Mbiri yako yokun aka kwako yakapararira pakati pamarudzi, nokuti yakanga yakakwana kwazvo nokuda kwoumambo hwangu hwandakanga ndaisa pamusoro pako,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.