Ezekiel 16:19 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀokudya ɀaŋgu ɀandakakupa, ibgo ʋupfu bgakatsetseka namafuta noʋuci ɀandakakupa kuti uɀidye, wakaɀigadza pamberi paɀo, ɀiite bgema ʋunonhuwira; ndiɀo ɀawakaita — ndiɀo ɀinotaura Ishe Jehova.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Uyezve zvokudya zvandakakupa, upfu hwakatsetseka, mafuta omuorivhi nouchi zvandakakupa kuti udye, wakazvipira sezvinonhuwira pamberi pazvo. Izvozvo ndizvo zvakaitika, ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Chokudya chandakupa chaiti upfu hwakatsetseka hwandaikupa kuti udye namafuta nouchi wakandozvipira kwazviri somupiro unonhuwirira. Ndizvo zviri kutaura Tenzi Mwari.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakati,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona 2009?
"Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite bwema hunonhuhwira; ndizvo zvawakaita," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.
Shona SUB 2002 Bible
“Zvokudya zvangu zvandakakupa, ihwo hupfu hwakatsetseka namafuta nohuchi zvandakakupa kuti uzvidye, wakazvigadza pamberi pazvo, zviite hwema hunonhuwira; ndizvo zvawakati,” ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha.