Ezekiel 16:26 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakafeʋa ʋo naʋaEgipita, ʋakaŋga ʋagere pedyo newe, ʋanemiʋiri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamŋise.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Wakaita ufeve navaIjipita, vawakavakidzana navo ivo vazere noruchiva, ukamutsa kutsamwa kwangu, nokuwanda kwokupata kwako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wakaitawo ufeve iwe navaIjipiti ivo vavakidzani nemi voruchiva ava uchinyanya nahwo hufeve hwako kuti undishatirise.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakapfevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedyo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
Shona 2009?
Wakafevawo navaIjipiti, vakanga vagere pedo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.
Shona SUB 2002 Bible
Wakafevawo naVaIjipiti, vakanga vagere pedyo newe, vane miviri mikuru; ukawanza kupata kwako, kuti unditsamwise.