Ezekiel 16:27 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Naiɀoɀo tarira, ndakatambanudzira ruʋoko rwaŋgu pamsoro pako, ndikatapudza ɀokudya ɀako ɀaunodya misi yose, ndikakuisa kunaʋanokuʋeŋga ʋakuitire nokuɗa kwaʋo, iʋo ʋakunda ʋaʋaFiristia ʋakanyadziswa nomufambire wako wakashata.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Saka ndakatambanudza ruoko rwangu kuti ndikurwise ndikatapudza nyika yako; ndikakuisa pasi pokukara kwavavengi vako, vanasikana vavaFiristia, ivo vakavhundutswa namafambiro ako.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
“Saka naizvozvo chinzwa, ndakusimudzira shamhu muruoko ndichikutapudzira mugove wako wawakagoverwa ndichikuisa mumaoko mavavengi vako vana makaro, vanasikana vevaFirisitia, ivo vaitonyara nokuita kwako kwoufeve.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Naizvozvo tarira, ndakatambanudzira ruoko rwangu pamusoro pako, ndikatapudza zvokudya zvako zvaunodya misi yose, ndikakuisa kuna vanokuvenga vakuitire sokuda kwavo, ivo vakunda vavaFirisitia vakanyadziswa nomufambiro wako wakashata.
Shona 2009?

Shona SUB 2002 Bible