Ezekiel 16:29 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Wakawanza ʋo kupata kwako kuȿikira kunyika yaʋashambadziri, iko kuKardea; kunyaŋge ɀakaɗaro hauna‐kuriŋganiswa naɀo.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo wakawanza kupata kwako kuti kubatanidzire Bhabhironi, nyika yavashambadziri, asi kunyange naizvozvi hauna kugutsikana.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Wakanyanya nahwo hunzenza hwako nenyika youshambadzi yeKaridhea. Kunyange izvozvi hazvina kukugutsa.”
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
Shona 2009?
Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhea; kunyange zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.
Shona SUB 2002 Bible
Wakawanzawo kupata kwako kusvikira kunyika yavashambadziri, iko kuKaradhia; kunyangwe zvakadaro hauna kuringaniswa nazvo.