Ezekiel 16:33 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀifeʋe ɀose ɀinopiwa ɀipo, asi iwe unopa ʋaɗikani ʋako ʋose ɀipo, uciʋaripira, kuti ʋaʋuye kwauri ʋacibva kumatiʋi ose nokuɗa kwokupata kwako.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Chifeve chimwe nechimwe chinogamuchira muripo, asi iwe unopa zvipo kuvadiwa vako vose, nokuvafufura kuti vauye kwauri vachibva kwose kwose nokuda kwokupata kwako kusina unhu.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Varume ndivo vanobhadhara pfambi, vanhu vanotopa zvipo. Asi iwe ndiwe urikutopa zvipo kuzvikomba zvako zvose kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose kuzoita upombwe newe.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako.
Shona 2009?
Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikamwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kokupata kwako.
Shona SUB 2002 Bible
Zvifeve zvose zvinopiwa zvipo, asi iwe unopa vadikanwi vako vose zvipo, uchivaripira, kuti vauye kwauri vachibva kumativi ose nokuda kwokupata kwako.