Ezekiel 16:36 — Compare Translations
6 translations compared side by side
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Ɀanzi naShe Jehova: Ndarira yako ɀayakaɗururwa, nokunyadza kwako ɀakwakafukurwa nokupata kwako naʋaɗikani ʋako, ʋuye nokuɗa kweɀifananidzo ɀose ɀeɀinonyaŋgadza ɀako, neropa raʋana ʋako, rawakaɀipa;
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zvanzi naIshe Jehovha: Nokuda kwokuti wakadurura pfuma yako nokufukura kusasimira kwako mukupata kwako navadiwa vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvako zvose zvinonyangadza, uye nokuda kwokuti wakavapa ropa ravana vako,
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
zvanzi naTenzi Mwari, “Pamusana poruchiva rwako rwakawanda wakazvipfekenura ukasara usisina chawakapfeka muunzenza hwako nezvikomba zvako uye pamusana pezvifananidzo zvako zvokunamata uye pamusana peropa ravana vako rawakapira kwazviri.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
zvanzi naIshe Jehovha, “Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
Shona 2009?
zvanzi naIshe Jehovha, "Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikamwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;
Shona SUB 2002 Bible
zvanzi naIshe Jehovha, “Ndarira yako zvayakadururwa, nokunyadza kwako zvakwakafukurwa nokupata kwako navadikanwi vako, uye nokuda kwezvifananidzo zvose zvezvinonyangadza zvako, neropa ravana vako, rawakazvipa;