Ezekiel 16:37 — Compare Translations

6 translations compared side by side

Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
naiɀoɀo tarira, ndicaʋuŋganidza ʋaɗikani ʋako ʋose, ʋawakafarirana naʋo, naʋose ʋawakaŋga uciɗa, pamŋe cete naʋose ʋawakaŋga uciʋeŋga; ndicakuʋuŋganidzira iʋo ʋacibva kumatiʋi ose, nokuʋafukurira kunyadza kwako, kuti ʋaʋone kunyadza kwako kwose.
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Naizvozvo ndichaunganidza vadiwa vako vose, vawaifara navo, vaya vawaida navaya vawaivenga. Ndichavaunganidza kubva kwose kwose kuti vakurwise uye ndichakufukura pamberi pavo uye vachaona kusasimira kwako kwose.
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Naizvozvo, chiona, ndichaunganidza zvikomba zvako zvose zvawakazvifadza nazvo; zvikomba zvawaida nazvose zvawakanga usingadi. Ndichavakokorodza kumativi ose vakurwise ndigokupfekenura kuti vakuone zvawakaita uri mutwi.
Shona (Shona Bible 1949, revised 2002)
naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose.
Shona 2009?
naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikamwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kose.
Shona SUB 2002 Bible
naizvozvo tarira, ndichaunganidza vadikanwi vako vose, vawakafarirana navo, navose vawakanga uchida, pamwechete navose vawakanga uchivenga; ndichakuunganidzira ivo vachibva kumativi ose, nokuvafukurira kunyadza kwako, kuti vaone kunyadza kwako kwose.